Ayanaya for Killer T Em,popopo Nyatsomhanya iwe usambobatika Nyatsofamba iwe tinosvika Nyatsoshanda iwe wotozvisimbisa Nyatsofaya iwe tinosvika Iwo munamato mukurukuru Ndiwo wakaitwa namai vake Vakati, "Mwanangu wee, iwe zvandakuzvara kura uone" Iwo munamato mukurukuru Ndiwo wakaitwa namai vake Vakati, "Mwanangu wee, iwe zvandakuzvara kura uone" Vakanditi kura uzvionere Asi ndapota undigonere Zvikanetsa siya uzvionere Nekuti wenyama haungamugonere Vavengi varipo uvagonere Tsamba yekudenga uvanyorere Vakataura siya zvipundure Ndapota mwanangu usandigumbure Iwo munamato mukurukuru Ndiwo wakaitwa namai vake Vakati, "Mwanangu wee, iwe zvandakuzvara kura uone" Iwo munamato mukurukuru Ndiwo wakaitwa namai vake Vakati, "Mwanangu wee, iwe zvandakuzvara kura uone" Usacheme zvako,uchachengetwa Minamato yekudenga yese inosvika Vakakwira iwe wotozvidzikisa Kuti vekwako vachakusimbisa Nyatso faya,nyangwe wega usamire Mukufamba musandityire Nyangwe zvikanetsa sei handimire Jehovah wekudenga musandisiye Iwo munamato mukurukuru Ndiwo wakaitwa namai vake Vakati, "Mwanangu wee, iwe zvandakuzvara kura uone" Iwo munamato mukurukuru Ndiwo wakaitwa namai vake Vakati, "Mwanangu wee, iwe zvandakuzvara kura uone" Vakanditi kura uzvionere Asi ndapotawo undigonere Zvikanetsa siya uzvionere Nekuti wenyama haungamugonere Vavengi varipo uvagonere Tsamba yekudenga uvanyorere Vakataura siya zvipundure Ndapota mwana wangu usandigumbure Iwo munamato mukurukuru Ndiwo wakaitwa namai vake Vakati, "Mwanangu wee, iwe zvandakuzvara kura uone" Iwo munamato mukurukuru Ndiwo wakaitwa namai vake Vakati, "Mwanangu wee, iwe zvandakuzvara kura uone"